Accessibility links

Breaking News

ERC Yokurudzira ZEC Kuti itevevedzere Mutemo Mukufambisa Sarudzo


Sachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba
Sachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba

Sangano rinoongorora sarudzo rakazvimirira reElection Resource Centre kana kuti ERC, riri kukurudzira Zimbabwe Electoral Commission kuti itevedzere mutemo panyaya yekufambisa sarudzo dzegore rino kuitira kuti dzitambirwe nevari kupikisa.

Sangano iri rinotiwo ZEC haifanire kuita zano ndega zvinozokonzera mutauro wakanyanya munyika.

Sachigaro vebhodhi reERC, VaTrust Maanda vanoti ZEC pari zvino iri kukundikana kutevedzera mutemo wesarudzo kana zvisungo zvayo zvayakatara kuti ichatevedzera mukuita sarudzo dzakachena.

VaMaanda vanoti semuenzaniso, sangano ravo rakaona kuti ZEC ingadai yakaburitsa gwaro revavhoti vari kukwikwidza vasati vapinda musarudzo uye kupa vanhu mukana wekuti variongorore kuitira kana paine zvinoda kugadziriswa.

Mapato anopikisa ari kuchema-chemawo nezviri kuitwa neZEC achiti iri kukundikana kubata gadziriro yesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG