Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vari kushanya ku Dar es Salaam kuTanzania kwemazuva maviri vanoti mumwe wevatevedzeri vavo VaKembo Mohadi, uye sachigaro webato iri vari gurukota rezvezviwanikwa Amai Oppah Muchinguri Kashiri vakaendeswa kunorapwa kuSouth Africa mushure mekukuvara pakaputika girinedhe kuWhite City Stadium nemusi weMugovera.
VaMnangagwa vakataura mashoko aya kuvatori venhau kumuchteo wemisangano yavo kuTanzania.
Vanhu makumi mana nevapfumbamwe vakakuvara vamwe vaviri vakashaya. Pavanhu vaviri vakafa ava, mumwe aichengetedza VaMohadi, VaNelson Dube vakashaya vakavigwa nezuro papurazi ravo reFeatherstone mudunhu reMashonaland East uye vakabva vaitwa gamba rehondo yerusununguko sezvo vakarwa hondo muChimurenga.
Amai Muchinguru-Kashiri vanonzi vakakuvara pachipfuva VaMohadi vachikuvara makumbo. Kunyangwe hazvo mapurisa achiri kuferefeta nyaya iyi, VaMnangagwa vakati vanofunga kuti vanhu vanodyidzana nechikwata chavainetsana nacho muZanu-PF chinonzi G40.
Asi vaimbova gurukota uye muzukuru waVaMuugabe, VaPatrick Zhuwao vanonziwo ndeveG40 vanoti havanesi nekuputitswa kwegirinedhi uku. Vamwe vari kushora nyaya yehurumende yekuendesa vatungamiri vehurumende kunorapwa kunze vachitadza kugadzirisa zvipatara zviri munyika.
Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaPromise Sande vanoti zvakakosha kuti vakakuvara vakwanise kurapwa vachipora asi hurumende inofanira kugadzirisa zvipatara zvemunyika.
Facebook Forum