Accessibility links

Breaking News

Zec Inonzi Iri Kutyora Mutemo Zvichitevera Madhindirwo eGwaro Rine Vatungamiri veMapato


VaFarai Maguwu

Mangano maviri eZimbabwe Election Support Network, Zesn, pamwe nerinoona nezvemitemo, reVeritas, anoti magadzirirwo akaitwa gwaro revavhoti resarudzo yemutungamiri wenyika anogona kunge asina kuitwa zviri pamutemo nesangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti Zec.

Bepa rekuvhotesa musarudzo yemutungamiri wenyika rinonzi rine vanhu gumi nevana kudivi rimwe chete, kwozoti vapfumbamwe kune rimwe divi rekurudyi uko kune mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa pamusoro.

Izvi zvinonzi zvinotyora mutemo wesarudzo uyo unoti panofanira kuve nevanhu kudivi rimwe chete kwete mativi maviri sezvakaitwa neZec.

Vanhu vanoiswa pagwaro rekuvhotera pachitariswa vara rekutanga pazita ravo rekupedzisira kana kuti surname.

Asi sachigaro weZec, Amai Priscilla Chigumba, vanoti vakagadzira gwaro iri mushure mekupihwa mazano nevanhu vairidhinda.

Zesn inoti maitiro eZec anogona kuti vanhu vanyunyute vachiti haisi kuita basa samutongi gava.

Zesn inoti Zec inofanira kupota ichinzwawo pfungwa dzevari kukwikwidza musarudzo isati yatora mamwe matanho anozoonekwa sekunge iri kurerekera kuna VaMnangagwa.

Mukuru wesangano re Center for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti zviri kuitwa neZec zvinopa kuti vanhu vasavimbe nayo.

“Zviri kuratidza sekuti vanhu vane fungidziro yakasimba yekuti Zec iri kushanda ichibatsira bato riri kutonga reZanu-PF kuti riwane mukana usina mamwe mapato arivkukwikwidza,” vadaro VaMaguwu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG