Accessibility links

Breaking News

VaGodfrey Gandawa Vanoti Havasi Kuzodzokera Kana Kuvhotera Zanu-PF


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvedzidzo yepamusoro, Doctor Godfrey Gandawa, vanoti vari kutyityidzirwa kubva zvavakapika kuti havasi kuzofa vakavhotera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Asi vanoti havasi kuzodududza nechirongwa chavo chavari kuti bhora musango.

Vachitaura nevatsigiri vavo kuMagunje, Mashonaland West, VaGandawa vakati nenyaya yekuti vainge vabatwa neseri kweruoko neZanu-PF, havasi kuzovhotera mutungamiri webato iri, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo yemutungamiri wenyika.

Dr Gandawa vari kukurudzira vatsigiri vavo kuti vaise bhora musango nekuvhotera vamwe vanhu vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.

VeZanu-PF vanoti chakapa kutivadzingwe vainge vachipomerwa mhosva yekusafambisa zvakanaka mari yeZimbabwe Manpower Development Fund pamwe nevaive gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Muzvinafundo Jonathan Moyo, avo vari muhupoteri.

Asi VaGandawa vanoti kana vakapara mhosva vanofanira kuenda kumatare votongwa. Vanotiwo munhu akapomerwa mhosva hazvirevi kuti anenge atobatwa nemhosva yacho.

VaGandawa vanoti vamwe muZanu-PF vari kuvanyengetedza kuti vadzokere kubato iri, asi havasi kuzodududza.

KuHurungwe Dr Gandawa vari kukwikwidzana naVaCecil Kashiri veZanu-PF, VaTonderai Kasemamuriwo veMDC Alliance, VaThomas Gatsi vePeople's Rainbow Coalition uye VaHenry Madiro veZIPP.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG