Accessibility links

Breaking News

Constitutional Court Yotarisirwa Kupa Mutongo neChimbi Chimbi paNyaya yaVaChamisa naVaMnangagwa


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Dare reConstitutional Court riri kutarisirwa kutanga neChitatu kuzeya nyaya yakakwidza kudare nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa.

Asi patotanga mutauro wakanyanya pakati peZanu-PF neMDC Alliance nyaya iyi isati yatombonzwikwa.

Gurukota rinoona nezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vanoti mamwe magweta mana ange achidiwa neMDC Allaince kuti apinde mudare kubva kuSouth Africa anogona kukundikana sezvo mapepa awo akanonoka kuuya.

Asi munyori mukuru muMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa VaDouglas Mwonzora vanoti izvi ndezvemugotsi matsuro sezvo zvisingatore nguva yakawanda kuti vakunze vakwanise kumirira vanhu vavo mumatare emunyika.

Kunyange hazvo paine kusawirirana uku, nyaya yakakwidzwa naVaChamisa iri kutarisirwa kutanga kuzeyiwa neChitatu.

Muzvinafundo munyaya dzebumbiro remitemo yenyika, uye vari mutungamiri weNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vanoti dare iri rinogona kupedza nyaya yaro mangwana, kana nemusi waNyamavhuvhu 24.

Munyori wezvemutemo muZanu-PF, VaPaul Mangwana, vati vachatanga kusimudza nyaya yekunonoka kwemapepa.

Asi VaMwonzora vanoti apa hapana nyaya sezvo veZanu-PF vaida kutiza mapepa aya. VaMangwana vanotiwo ichokwadi kuti mutongo unogona kukurumidza kupihwa.

Pasi pebumbiro remitemo yenyika, mutongo unofanira kupihwa Chishanu chisati chasvika uye hapanazve rimwe dare richanzwa nyaya iyi kana mutongo wangopihwa sezvo iri riri iro dare rekupedzisira repamusoro soro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG