WASHINGTON —
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakaparura hurongwa hwekuvandudzwa kwenhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airpo muHarare.
Hurongwa uhu huri kuitwa nyika ichibatsirwa neimwe kambani yekuChina iyo yakagadzirawo nhandare yendege yeVictoria Falls.
Vachitaura pahurongwa hwekuparura kuvakwa kwenhandare iyi, VaMnangagwa vakatena China nekubatsira Zimbabwe muzvirongwa zvakadai.
Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu Doctor Joram Gumbo vaudza Studio 7 kuti zviri kuvandudzwa zvakanangana nekusimudza nhandare iyi kuti ienderanawo nedzimwe dzenyika dzakabudirira.
Vanoti pachawedzerwa chimwe chidimbu chekuti vanyarikani kana vakuru vehurumende vasvikire.
Facebook Forum