Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voparura Hurongwa Hwekuvandudza Nhandare yeRobert Gabriel Mugabe International Airport


RGM International Airport
RGM International Airport

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakaparura hurongwa hwekuvandudzwa kwenhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airpo muHarare.

Hurongwa uhu huri kuitwa nyika ichibatsirwa neimwe kambani yekuChina iyo yakagadzirawo nhandare yendege yeVictoria Falls.

Vachitaura pahurongwa hwekuparura kuvakwa kwenhandare iyi, VaMnangagwa vakatena China nekubatsira Zimbabwe muzvirongwa zvakadai.

Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu Doctor Joram Gumbo vaudza Studio 7 kuti zviri kuvandudzwa zvakanangana nekusimudza nhandare iyi kuti ienderanawo nedzimwe dzenyika dzakabudirira.

Vanoti pachawedzerwa chimwe chidimbu chekuti vanyarikani kana vakuru vehurumende vasvikire.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG