Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Musangano neVashandi Vayo


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Gurukota rinoona nezvedzidzo Muzvinafundo Paul Mavima vanoti hurumende iri kuronga musangano pakati payo nevashandi vayo kusanganisawo varairidzi kuyedza kugadzirisa zvichemo zvavo.

VaMavima vaudza Studio 7 kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vane chido chekuti vaitewo mimwe misangano nevarairidzi sezvavakaita svondo rapera.

Asi varairidzi vanoti musangano wesvondo rapera hauna kuvapa mukana wekutaura nemutungamiri wenyika nekuti paiita sekunge pane nyaya dzezvematongerwo enyika.

VaMavhima vanoti VaMngangagwa avo vakasangana nevarairidzi svondo rapera vanoda kuramba vachiita misangano yakadai.

Hurukuro naVaPaul Mavima
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mamwe masangano evarairidzi anoti haasati asumwa nezvemusangano uyu achiti vari kutarisira kuti vangangoudzwe neMuvhuro. VaSibusiso Ndlovu vaudza Studio 7 kuti vari kuda zvikuru musangano wekutaura nhunha dzevarairidzi asi havasati vapihwa tsamba yacho.

Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe Doctor Takavafira Zhou.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG