Accessibility links

Breaking News

Vatongi veDare Vobvunza Gweta reZEC Nyaya yeHuwandu hweVanhu Vakavhota


VaLuke Malaba
VaLuke Malaba

Mukuru wematare VaLuke Malaba vabvunza ZEC kuti sei zvairi kuburitsa zvakasiyana siyana. Gweta reZimbabwe Electoral Commission VaTawanda Kanengoni vaudzawo dare reConstitutional Court kuti vari kuburitsa zvakasiyana musarudzo nenyaya yekuti veMDC Alliance yainge ichiti sarudzo dziri kubirirwa.

VaKanengoni vatenda kuti paikanganiswa kuverengwa kwemavhoti asi izvi hazvaichinja zvakabuda musarudzo zvekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakakunda musarudzo. Vatiwo kana pasina magwaro emaV11, zvinonetsa kuti zvinzi ZEC yakabirira musarudzo.

Magwaro eV11 anoratidza huwandu hwevanhu vakavhota uye magwaro akashandiswa. Pavabvunzwa nyaya yekuti sei vanhu vekuMashonaland Central vakangowanda panguva imwe chete, vati ZEC haingazive kuti vanhu vauya kuzovhota nguvai chavo kungoona kuti vavhota.

Panyaya yekuti pane vanhu vakavhota zvakafanana VaKanengoni vapindura mutongi VaBharat Patel vachiti izvi zvakaitika uye vane humbowo hwacho. Amai Rita Makaru vabvunzawo kuti sei vanhu vanodarika zviuru makumi mana vakavhota musarudzo dzemutungamiri wenyika kudarika dzenhengo dzedare reparamende, VaKanengoni vati zvaida kuti magwaro eV11 avhurwe vachiti zvakabuda mugwaro zvakanyoreranwa pasi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG