Accessibility links

Breaking News

Vakuru veMabhizimisi Voronga Musangano naVaMnangagwa Apo Nyika Yotarisanazve neNzara


Vakuru vemabhizimisi munyika vanoti vari kuda kuita musangano nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuitira kuti vagadzirise nyaya dzezvehupfumi apo vemamiriro ekunze vari kuyambira kuti Zimbabwe yatarisana zvakare neimwe nzara zvichikonzerwa nekusanaya zvakakanaka kwemvura.

Gwaro rakaburitswa nesangano reFewsnet nemusi weChipiri rinoti mhuri dzakawanda mumatunhu anoti Matebelaland North, Matabeleland South, Midlands, Masvingo neMidlands akatarisana nenzara inotyisa sezvo matura oderera.

Mukutanga kwemwedzi uno kusvika muna Kurume gore rinouya, matunhu eMatebelaland North neSouth anenge akatarisana nenzara inotyisa.

Fewsnet iri kuyambirawo kuti mhepo yeEl Nino ichakanganisa kunaya kwemvura kuchamhembe kweAfrica zvikuru muZimbabwe mugore rino nerinotevera.

Izvi zvinonzi zvichapa kuti zvirimwa, mabasa kumamisha uye zvipfuyo zviderere zvakanyanya.

Iri idambudziko riri kutarisirwa kuti richapa kuti zvinetse kuti VaMnangagwa vakurumidze kugadzirisa nyaya yezvehupfumi.

Asi vemabhizimisi vanoti pakaita mubatira pamwe zvimwe zvinhu zvinogona kugadziriswa.

Nemusi weChipiri, vakuru vemabhizimisi vaita musangano kuRainbow Towers muHarare vachizeya zvinoda kugadziriswa izvi mushure mekupera kwesarudzo.

Vamwe vataura pamusangano uyu vanosanganisira muzvinabhizimisi, VaShingi Munyeza, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Tony Hawkins uye sachigaro weCEO Africa Roundtable VaOswell Binha.

VaBinha vanoti pane zvimwe zvihu zvatenderanwa nevemabhizimisi kuti vanokwanisa kuita kuti nyika ifambire mberi zvinosanganisa kumisa nyaya dzehuori uye kusanyanya kuita zvikwereti kwehurumende.

VaBinha vanoti pane hurongwa hwekuti vemabhizimisi vaite musangano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Mashoko aya anotsinhirwawo nevaimbove mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallist Jokonya, avo vanoti vamwe vemabhizimisi vakatonyora tsamba kumutungamiri wenyika vaite hurukuro nemutungamiri wenyika.

Imwe nyaya iri kunetsa vemabhizimisi inyaya yezvematongerwo enyika iri kukonzerwa nesarudzo dziri kunzi nevanopikisa dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti kusagadzirisa nyaya dzezvematongerwo enyika kunokanganisa nyaya dzezvehupfumi.

Vanhu vakawanda munyika vari kuchema kuti zvinhu muzvitoro zvave kudhura zvakanyanya imo munyika musina mabasa uye mari mumabhanga.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG