Accessibility links

Breaking News

Vakadomwa seMakurukota Votarisirwa Kutoreswa Mhiko naVaMnangagwa


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanotarisirwa kutoresa mhiko vavakadoma semakurukota avo nhasi.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanotarisirwa kutoresa mhiko vavakadoma semakurukota avo nhasi.

Vakadomwa svondo rapera nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa semakurukota ehurumende yavo itsva vanotarisirwa kutoreswa mhiko nemutungamiri wenyika neMuvhuro kuState House muHarare.

VaMnangagwa vakadoma makurukota makumi maviri pamwe nevatevedzri vavo, uye makurukota ematunhu gumi.

Vakadomwa ava vaitarisirwa kutora tsamba dzavo dzekupiwa basa mukupera kwesvondo kuitira kuti vazivise kana vakanga vatambira zvigaro zvavaipiwa izvi.

Dare raVaMnangagwa iri rakapinza vanhu vatsva semakurukota vanosanganisira Muzvinafundo Mthuli Ncube, avo vakadomwa segurukota rezveupfumi, pamwe naMuzvare Kirsty Coventry, uyo akadomwa segurukota rezvevechidiki, mitambo netsika.

Veruzhinji vakapawo maonero avo akasiyanasiyana pamusoro pevanhu vakadomwa ava, vamwe vachishoropodza vanhu ava, asi vamwe vachitambira nhengo idzi.

Mutungamiri wesangano rinomirira varairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe kana ARTUZ, VaObert Msaraure, vanoti vari kutambira kudomwa kwaMuzvinafundo Ncube uye gurukota rezvevashandi vehumende Amai Sekesai Nzenza semakurukota.

Vanoti nenyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu, vaviri ava vanofanira kuona kuti varairidza vawedzerwa mari dzavanotambira nechimbi chimbi.

Asi VaMasaraure vanoshoropodza zvikuru kudomwa zvakare kwaVa Paul Mavhima segurukota rezvedzidzo yepasi vachiti havana zvitsva zvavakaita kubazi iri kunze kwekutevedzera zvakasiiwa nevaimbove gurukota redzidzo yepasi, VaLazarus Dokora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG