Accessibility links

Breaking News

VaBiti, Vakuru veZCTU Vomiswa Pamberi peMatare


Vaimbova gurukota rezvemari VaTendai Biti vanova mutevedzeri wasachigaro mubato reMDC vari kutarisirwa mudare repamusoro nhasi vachikumbira kuti dare iri rimbovapa gwaro ravo rekufambisa kuti vaende kunorapwa kuSouth Africa.

Izvi zvinotevera mutongo wamejastiriti VaFrancis Mapfumo wekuramba kuvapa gwaro iri mukupera kwemwedzi wapera vachityira kuti vanogona kuzotadza kudzoka.

VaBiti vari kupomerwa mhosva yekutyora mutemo wesarudzo vachinzi vakaburitsa zvakabuda musarudzo zvisati zvaziviswa.Asi vari kuramba mhosva iyi.

Zvichakadaro, vamwe vatungamiri vevashandi uye nhengo dzesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions vakasungwa nezuro vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare redzimhosva nhasi zvekare vachipomerwa mhosva yekuda kukonzera kusagadzikana kana kuti “disorderly conduct.”

Vakasungwa vanosanganisa mutungamiri weZCTU VaPeter Mutasa, munyori mukuru wesangano iri VaJaphet Moyo nedzimwe nhengo dzavo.

VaBiti neveZCTU ava vari kumiririrwa nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights kana kuti ZLHR. Mutauriri weZLHR VaKumbirai Mafunda vati vane chivimbo chekuti vachawana mitongo inogutsa panyaya mbiri idzi.

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG