Accessibility links

Breaking News

VaNelson Mandela Vopihwa Chiremerera Chikuru neUnited Nations


Chiumbwa chaVaMandela choiswa kumuzinda weUnited Nations kuNew York senzira yekuvaremekedza.
Chiumbwa chaVaMandela choiswa kumuzinda weUnited Nations kuNew York senzira yekuvaremekedza.

United Nations yakapa vaimbova mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaNelson Mandela chiremerera chikuru apo chiumbwa chavo chakaiswawo pamuzinda wesangano iri nezuro.

Musangano uyu wakaitwa muNew York kumucheto wemusangano weUnited Nations General Assembly.

Vatungamiri venyika dzepasiri rino vakatenda mabasa akabatwa naVaMandela nekuratidzawo kuzvipira mukuzadzikisa zvido zvavishuvira zvekuti pasi rino rive nerunyararo.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati Vamandela munhu aikurudzira murunyararo kunyangwe vakagariswa mujeri kwenguva yakareba zvikuru nehurumende yaipfurikidza mwero muSouth Africa.

Vamwe vatungamiri vakataura pamusangano uyu vanosanganisa VaCyril Ramaphosa vekuSouth Africa avo vakatenda United Nations nekuremekedza VaMandela, VaUhuru Kenyatta vekuKenya uye VaJustin Trudue vekuCanada.

Musangano uyu wakaitwa kumucheto wemusangano weUnited Nations Genearal Assembly.

VaMnangagwa vakati VaMandela vainge vari munhu aisimbaradza runyararo kunyhangwe vakagariswa mujeri kwemakore akawanda.

Zvichakadaro, gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya nezuro vakaitawo musangano nevamwe vakuru mumahofisi enhengo dzedare reCongress muAmerica. Musangano uyu wange wakanangana nekuyedza kuda kugadzirisa hukama pakati peZimbabwe neAmerica iyo yakatemera vamwe vakuru venyika zvirango.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG