Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voita Musangano neMunyori Mukuru weUN neVamwe Vatungamiri


VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kutanga nhasi kupinda mumisangano yakakosha zvikuru kuUnited Nations General Assembly uye mimwe iri kuitwa kumucheto kwemusangano uyu. Blessing Zulu anotipa nyaya inotevera.

VaMnangagwa avo vari kutarisirwa kutaura kekutanga kumusangano weUnited Nations General Assembly mangwana. Kubva muna 1980, vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, ndivo chete vaienda kumisangano iyi.

VaMnagagwa vari kutarisirwa kuita misangano nemunyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres, mutungamiri wehurumende yeBelgium VaCharles Michel, uye gurukota reBiritain rinoona nezveAfrica Amai Harriet Baldwin.

VaMnangagwa vakaudza zvizvarwa zveZimbabwe nemusi weSvondo nezvemusangano naAmai Harriet vachiti zviri kuratidza kuti hukama neBritain hwave pari nani.

Mangwana VaMnangagwa vari kutarisirwawo kupinda mumusangno wekudzivirira kuroodza kwevana vasati vabve zera uye mumwe wekudzivirira chirwere cherurindi kana kuti TB.

Mutungamiri wenyika yeZambia, VaEdgar Lungu vari kutarisirwawo kupinda mumusangano uyu pamwe nechizvarwa cheZimbabwe vari munyarikani weAfrican Union kana kuti Goodwill Ambassador, Amai Nyaradzai Gumbonzvanda. Tabata Amai Gumbonzvanda tikavabvunza nezvekukosha kwemusangano uyu.

Ko Zimbabwe iri papiwo pakuwisa dambudziko iri? Amai Gumbonzvanda vanotsanangura.

Pasi rose vana vanosvika mamiriyoni gumi nevaviri vanoroodzwa vasati vasvika zera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG