Accessibility links

Breaking News

VaKembo Mohadi Voyambira Kutorera Marezinesi veMabhizimisi Vari Kuda Mari yekuAmerica


VaKembo Dugishi Mohadi
VaKembo Dugishi Mohadi

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi vakaudza vatori venhau muHarare nezuro kuti hurumende ichatorera marezinesi makambani ose ari kuti anoda mari yekuAmerica kana achitengesa zvinhu.

VaMohadi vakataura mashoko aya kumahofisi avo eMunhumutapa. Zvinhu munyaya dzezvehupfumi munyika zviri kuramba zvichiita manyama amire nerongo zvopa kuti vakawanda vaomerwe nehupenyu mari ichishaikwa uye mitengo yezvinhu ichiramba ichiita chamuramba mhuru.

Kunyangwe hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka, hurumende inoti zvinokwanisa kugadzirisa matambudziko aya ikambopihwa nguva kunyangwe pachave nemarwadzo.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNdabaningu Nick Mangwana vaudza bepanhau reHerald kuti kushomeka kwezvinhu kuri kukonzerwa nenyaya yekuti vanhu vari kungotya kuti zvingazoshomeka nekudaro vari kutenga zvakawandisa zvopa kuti zvinhu zvishomeke.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanotiwo vachaderedza huwandu hwevashandi vehurumende senzira yekugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.

Mamwe makambani atanga kumbovhara nenyaya yekuti anoti ari kumanikidzwa kutengesa zvinhu nemabond notes nemaRTGs kana kuti makadhi ekumabhanga zvichinzi akaenzana nedhora rekuAmerica.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute Doctor Prosper Chitambara vanoti mari yemabond neRTG's iri kuramba ichishaya simba zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica zvekutopetwa kanodarika kaviri.

Izvi zvatsigirwa nemukuru wekambani yePeakford Management ine mabhizimisi munyika dzakawanda dzekuchamhembe kweAfrica VaAlbert Mandizvidza

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Steve Hanke vanoti mitero yekubatira vanhu masendi maviri padhora roga roga iri kuda kudzikwa naVaNcube munongedzo wekuti hurumende yakundikana sezvo izvi zvichatonyanya kukonzera matambudziko nekusagadzikana mune vemabhizimisi.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu vanotenderanawo nemaonero aya.

Asi vaimbove mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries Amai Marah Hativagone vanoti zvinogona kushanda. Panyaya yekuderedza huwandu hwevashandi vehurumende Doctor Chitambara vanoti panoda kunyatsodzamiswa pfungwa sezvo vamwe vashandi vakaita savanamukoti navanachiremba vari vashoma, asi mauto nemapurisa akawandisa.

Asi nyanzvi munyaya dzebudiriro vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaMaxwell Saungweme vanoti zvinogona kushanda kana zvikaitwa nemazvo kunyangwe uri mutoro chaiwo.

VaMandizvidza vanoti zvinonetsa kukwezva vemabhizimisi ekunze munyika nekuti mitemo yeZimbabwe haina kujeka.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakatiwo hurumende yavo iri kuyedza zvose zvainogona kugadzirisa hupfumi. Asi mutungamiri webato rinopikisa reMDC VaNeson Chamisa vanoti muromo hauzarirwe nerwizi nekuti zvinhu zviri kutonyanya kuoma.

Zvinhu zviri kushaikwa muzvitoro zvinosanganisa chingwa, mafuta ekubikisa nekufambisa dzimotokari, shuga nezvimwe. Vemakombi vave kuwedzerawo mari yemichovha vachiti mafuta ekufambisa dzimotokari ari kudhura.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG