Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo Mthuli Ncube Vanoti IMF neWorld Bank Vatambira Zano Ravo reKubhadhara Chikwereti


VaMthuli Ncube gurukota rezvemari
VaMthuli Ncube gurukota rezvemari

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanoti hurongwa hwenyika hwekubhadhara mitero yezvikweti kana kuti ma arrears hwatambirwa nemabhanga eInternational Monetary Fund, IMF, neWorld Bank.

VaNcube vari kuBali, Indonesia kumusangano weIMF neWorld Bank vaburitsa mashoko aya kuvatori venhau nhasi.

Zvikwereti zvinodarika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana masere emadhora zviri kuda kubhadharwa kuWorld Bank, African Development Bank neEuropean Investment Bank.

Muzvainafundo Ncube vanotiwo gwara ravo remakore maviri rekugadzirisa hupfumi ratambirwawo zvakare.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachidzidzisa paNelson Mandela University, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti zvakanaka kubhadhara zvikwereti asi VaNcube vanofanira kubudira nyika pachena nezvavari kuda kuita chaizvo ndezvipi kwete kuita fungira mumoyo rwendo rwembwa.

Hurukuro naMuzvinafundo Gift Mugano
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG