Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votarisirwa Kutaura Kekutanga kuUNGA


VaMnangagwa vari kutarisirwa kutaura kekutanga kubva zvavakatora masimba kubva kuna VaRobert Mugabe gore rapera.
VaMnangagwa vari kutarisirwa kutaura kekutanga kubva zvavakatora masimba kubva kuna VaRobert Mugabe gore rapera.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neChitatu vari kutarisirwa kutaura kekutanga kudare reUnited Nations General Assembly, asi mashoko avo ari kutarisirwa kuti anenge akasiyana zvikuru neaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vainge vaine mbiri yekutuka nyika dzekunze zvikuru America neBritain pamagungano aya.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kutaura kuti Zimbabwe pasi pehutungamiri hwavo yatora gwara itsva uye kuti vanoda kutanga kudyidzana nedzimwe nyika kwete kukandirana makobvu nematete nenyika dzakabudirira sezvaiitwa naVaMugabe.

Asi VaMnangagwa vari kutarisirwa kukurudzira nyika dzakaita seAmerica nedziri musangano reEuropean Union kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa ivo nevamwe vakuru vemuhurumende yavo. Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muNew York VaStephen Vunganai vanotiwo havaone VaMnangagwa vachitaura sezvaiitwa naVaMugabe zvekurova bembera nekushora nyika dzakabudirira.

Asi vamwe vakuru kubva kusangano reAfrican Union vataura neStudio 7 vanoti kubva zvakabviswa VaMugabe pachigaro, nyika dzakabudirira dzarasikirwa nezwi rakasimba raikurudzira kuvandudzwa kwedare reUnited Nations Security Council iro rine nyika shanu chete dzakabudirira. Asi AU yakatambira hayo kubviswa kwaVaMugabe pachigaro nemauto muna Mbudzi gore rapera.

Kunyangwe VaMnangagwa vari kuti Zimbabwe yave kutora rimwe gwara munyaya dzezvematongerwo enyika, vanopikisa vanoti hapana chanyanya kuchinja sezvo vanopikisa vari kuramba vachibatwa neseri kweruoko vachisungwa nekumbunyikidzwa.

Mutauriri wemutungamiri weMDC VaNelson Chamisa, Doctor Nkululeko Sibanda vakaudza Studio 7 kuti bato ravo haricherechedze VaMnangagwa semunhu akakunda musarudzo.

Chitatu mangwanani VaMnangagwa vari kutarisirwawo kupinda mumusangano wekudzivirira kuroodzwa kwevana vasati vabva zera.

Mutungamiri wenyika yeZambia, VaEdgar Lungu vari kutarisirwawo kupinda mumusangano uyu pamwe nechizvarwa cheZimbabwe vari munyarikani weAfrican Union kana kuti Goodwill Ambassador, Amai Nyaradzai Gumbonzvanda avo vanoti Zimbabwe ichazeyiwa nezvayao pamusangano uyu.

VaMnangagwa nhasi vari kupindawo mune mumwe wekudzivirira kupararira kwechirwere cherurindi kana kuti TB. Parizvino Zimbabwe iri kutatarika kuwana mapiritsi eTB zvotyirwa kuti zvichapa kuti denda iri ritonyanya kukomba. Chirwere cheTB chiri kuuraya vanhu vakawanda zvikuru vanorarama neHIV/AIDS.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kudzokera kuZimbabwe nemusi weChina.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG