WASHINGTON —
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vasarudza VaNdabaningi Nick Mangwana kuti vave munyori mukuru webazi rezvekuburitswa kwemashoko chigaro chakasiiwa naVaGeorge Charamba avo vave kushanda semutevedzeri wemunyori mukuru wedare remakurukota.
VaNick Mangwana ndivo vange vari sachigaro weZanu-PF kuUnited Kingdom kwemakore akawanda. VaMnangagwa vakamisa basa vanyori vakawanda vezvemapazi akasiyana siyana muhurumende.
Facebook Forum