Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votaura Nhasi Kekutanga kuUnited Nations General Assembly


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi manheru vari kutarisirwa kutaura kekutanga kudare reUnited Nations General Assembly, asi mashoko avo ari kutarisirwa kuti anenge akasiyana zvikuru neaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vainge vaine mbiri yekutuka nyika dzekunze zvikuru America neBritain pamagungano aya.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kutaura kuti Zimbabwe pasi pehutungamiri hwavo yatora gwara itsva uye kuti vanoda kutanga kudyidzana nedzimwe nyika kwete kukandirana makobvu nematete nenyika dzakabudirira sezvaiitwa naVaMugabe.

Asi VaMnangagwa vari kutarisirwa kukurudzira nyika dzakaita seAmerica nedziri musangano reEuropean Union kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa ivo nevamwe vakuru vemuhurumende yavo.

Asi vamwe vakuru kubva kusangano reAfrican Union vataura neStudio 7 vanoti kubva zvakabviswa VaMugabe pachigaro, nyika dzichiri kubudirira dzarasikirwa nezwi rakasimba raikurudzira kuvandudzwa kwedare reUnited Nations Security Council iro rine nyika shanu chete dzakabudirira.

Asi AU yakatambira hayo kubviswa kwaVaMugabe pachigaro nemauto muna Mbudzi gore rapera.

Kunyangwe hazvo VaMnangagwa vari kuti Zimbabwe yave kutora rimwe gwara munyaya dzezvematongerwo enyika, vanopikisa vanoti hapana chanyanya kuchinja sezvo vanopikisa vari kuramba vachibatwa neseri kweruoko vachisungwa nekumbunyikidzwa kodzero dzavo.

Mutauriri wemutungamiri weMDC VaNelson Chamisa, Doctor Nkululeko Sibanda vakaudza Studio 7 kuti bato ravo haricherechedze VaMnangagwa semunhu akakunda musarudzo.

Nhasi mangwanani VaMnangagwa vari kutarisirwawo kupinda mumusangano wekudzivirira kuroodzwa kwevana vasati vabva zera.

Mutungamiri wenyika yeZambia, VaEdgar Lungu vari kutarisirwawo kupinda mumusangano uyu pamwe nechizvarwa cheZimbabwe vari munyarikani weAfrican Union kana kuti Goodwill Ambassador, Amai Nyaradzai Gumbonzvanda avo vanoti Zimbabwe ichazeyiwa nezvayao pamusangano uyu.

VaMnangagwa nhasi vari kupindawo mune mumwe wekudzivirira kupararira kwechirwere cherurindi kana kuti TB. Parizvino Zimbabwe iri kutatarika kuwana mapiritsi eTB zvotyirwa kuti zvichapa kuti denda iri ritonyanya kukomba. Chirwere cheTB chiri kuuraya vanhu vakawanda zvikuru vanorarama neHIV/AIDS.

Zvichakadaro, kumucheto wemusangano weUnited Nations General Assembly uyu, VaMnagagwa nezuro vakaita musangano nemunyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres, mutungamiri wehurumende yeBelgium VaCharles Michel, uye vatungamiri venyika yeSwitzerland.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kudzokera kuZimbabwe nemusi weChina.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG