Migwagwa mizhinji iri pedyo nemuzinda weUnited Nations muNew York yainge yakavharwa nezuro kwakazara mapurisa nevasori sezvo mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nevamwe vatungamiri venyika vainge vachitaura kumusangano weUnited Nations General Assembly.
VaTrump vakataura kumucheto wemusangano uyu nezuro nezvekuyedza kwavo kudziviririra kuputwa nekunwiwa kwezvinodhaka pasi rino, dambudziko rauraya vanhu vakawanda muAmerica nedzimwe nyika.
Nyika zana nemakumi maviri nepfumbamwe dzakaisa ruoko rwadzo pachitsidzirano chiri kuda kunzi chitambirwe naVaTrump kuti vatungamiri venyika vaite munonera pamwe chuma chemuzukuru kuti varwise dambudziko iri.
Asi nyaya yaVaTrump yekuti vanenge vachitengesa zvinodhaka vatongerwe rufu haisi kutambirwa nevatungamiri venyika vakawanda.
VaTrump nhasi vari kutarisirwa kutaura pamusangano weUnited General Assembly uye vaneruzivo nezvavachataura vanoti vanenge vakanyanya kunangana neIran iyo vanoti iri kupinda nemwenje mudziva panyaya yekuda kugadzira chombo chenuclear. Asi Iran inoti America ndiyo iri kungoda kuizvokosva.
Facebook Forum