Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Voendeswa kuMatare neNyaya yeKukwidza Mutero


VaEmmerson Mnangagwa naVaMthuli Ncube
VaEmmerson Mnangagwa naVaMthuli Ncube

Mumwe muzvinabhizimisi wemuHarare, VaArnold Mutsondi, vaendesa gurukota rezvemari, Muzvinafundo Muthuli Ncube, kumatare vachiti mutemo wavo wavakadzika wekuwedzera mutero hausi pamutemo uye hautarisirwe munyika ine hutongo hwejekerere.

VaNcube vakati vanhu vatange kubhadhara masendi maviri padhora roga roga pavanoshandisa makadhi avo ekubhengi kubva pamasendi mashanu pachero mari yavanenge vachitumira kana kushandisa.

VaMutsondi vanoti zviri pachena kuti hurumende iri kuda kuomesera vanhu vasina mhaka nekuti yakundikana kugadzirisa dambudziko remari.

Gweta raVaMutsondi, VaAlex Majachani, vanoti zviri kuitwa naVaNcube kutyora bumbiro remutemo wenyika. Hatina kukwanisa kubata VaNcube kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Hurukuro naVaAlex Majachani
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG