Kambani yeDiamond Mining Company kana kuti DMC nemusi weChitatu yakabhadhariswa churu chimwe chete chemadhora nemhosva yekusvibisa mvura yemumarwizi anoti Save naSingwizi kwaChiyadzwa, Marange kuManicaland.
Chikwata chezimbabwe chemadzimai kana kuti maMighty Warriors chakunda Zambia kana kuti Shepolopolo 1-0 mumutambo wekutanga weAfrican Women Championship wakatambirwa kuRufaro Stadium nemusi weChitau.
Munin’ina waVaIta Dzamara, mutori wenhau anorwira kodzero dzevanhu akapambwa gore rapera, VaPatson Dzamara neshamwari dzavo kusanganisa VaKumbirai Mafunda vanova sachigaro wesangano reMISA-Zimbabwe vakaratidzira murunyararo neChitatu muAfrica Unity Square muHarare.
Bato reZanu-PF riri kuita musangano waro wePolitburo kuyedza kupedza matambudziko akasangana nebato iri zvikuru nyaya dzekurwisana panyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Vemakambani ekuSouth Africa vanoti vave kuda kuti hurumende yavo iomesere makambani emuZimbabwe zvichitevera kukwidzwa kwemitero neZimbabwe yekuti zvinogadzirwa muSouth Africa zvipinde muZimbabwe.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika nenyaya yekushomeka kwemari mumabhanga. Mabhanga adzikisa mari irikutorwa kana kutovhara maATM.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vatarisana nematambudziko makukutu zvichikonzerwa nekurwisana mubato ravo uye hupfumi hwenyika hwaenda kumawere vari kutarisirwa kuita misangano mitatu yakakosha svondo rino kutanga neChitatu kuyedza kugadzirisa zvinhu
Hurumende iri kuenderera mberi nekusunga vanhu vose vari kunzi vanenge vatuka kana kunyomba mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamadandemutande akaita se Facebook ne WhatsApp.
Sangano ravana chipangamazano reZimbabwe Democracy Institute, ZDI, rinoti zvinhu zvanyanyisa kuita manyama amire nerongo mubato reZanu-PF zvisati zvamboonekwa munhoroondo yebato iri zvekuti rinogona kukundwa musarudzo nemapato anopikisa.
Kuramwa mabasa kwavanachiremba vachangopedza zvidzidzo zvavo kwakonzera kuvharwa kwenzvimbo inosvikira varwere kuchipatara cheHarare Central sezvo vanachiremba vashoma vari kushanda pachipatara apa vachinzi vawandirwa nebasa.
Gurukota rinoona nezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, kanzuru yeHarare uye muchuchusi mukuru wehurumende, VaPrince Machaya, vaendeswa kudare repamusoro nevemasangano anomirira vagari muHarare neChitungwiza.
Zvinhu hazvinawo kumira zvakanaka kuhurumende iyo nemusi weChitatu yakatadza kubhadhara vanachiremba mari dzavo dzemabhonasi sezvayainge yakavimbisa.
Mapato anopikisa ari kushora zvikuru mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti vakada kuenda pamudyandigere mhuri yeZimbabwe inova nekurwadziwa kwakanyanya sezvo vanhu vakawanda vachivatsigira.
Gurukota rinoona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaPatrick Zhuwao, vanoti hurumende haisi kuzodududza pachirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema icho chave kushorwa nevakawanda munyika.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, nemusi weMuvhuro vakasangana namambo weku Japan, VaAkihito nemudzimai wavo, Empress Michiko, murwendo rwaVaMugabe ku Japan.
Murwi wehondo yerusununguko uye vaive muZANLA High command, VaBernard Manyadza vaizivikanwa nekuti Parker Chipoyera munguva yehondo vanoti musangano wemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nevakarwa hondo uri kuitwa musi wa 7 Kubvumbi hauna zvauchaburitsa.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vange vachitarisirwa kusvika muJapan nemusi weChina murwendo rwavo rwemazuva mashanu. Asi VaMugabe nemutungamiri weJapan vashinzo abe vari kushorwa vose nevamwe nezvekudyidzana kwavo.
Mumiriri weZimbabwe muBelgium VaTadeous Tafirenyika Chifamba vanoti hakuna mwana weZimbabwe akafa kana kukuvara mukubhombwa kwakaitwa guta guru renyika iyi reBrussels nemusi weChipiri.
Rodhai zvimwe