Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vodaidzira Misangano yeKuyedza Kugadzirisa Zvinhu Zvaita Manyama Amire neRongo


VaRobert Mugabe, VaPhelekezela Mphoko naVaEmmerson Mnangagwa
VaRobert Mugabe, VaPhelekezela Mphoko naVaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vatarisana nematambudziko makukutu zvichikonzerwa nekurwisana mubato ravo uye hupfumi hwenyika hwaenda kumawere vari kutarisirwa kuita misangano mitatu yakakosha svondo rino kutanga neChitatu kuyedza kugadzirisa zvinhu.

VaMugabe vari kuita misangano yePolitburo, Central Committee uye mumwe neveZimbabwe National Liberation War Veterans Association.

Nyaya yekuti VaMugabe vave nemakore makumi mapfumbamwe nemaviri pasina kujeka kuti ndiyani achatora chigaro chavo yakonzera kuti mubato ravo nemunyika muiite kunetsana kwakanyanya.

Pane vamwe vari kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vamwe vachitsigira Amai Grace Mugabe vari kuchikwata chinonzi Generation 40. Vaviri ava vanoramba kuti vane zvikwata zvavanotungamira.

Vakarwa hondo vari kutsika madziro vachiti VaMugabe vanofanira kudzinga mubato vamwe vechikwata cheG40 vanosanganisa makurukota matatu anoti VaJonathan Moyo, muzukuru wavo VaPatrick Zhuwao uye VaSaviour Kasukuwere.

Asi vachitaura mushure mekudzoka kuJapan mushure mekupfuura nekuSingapore nemusi weSvondo, VaMugabe vakati vakarwa hondo havafanire kuudza bato zvekuita asi kuti vanofanira kungotevera gwara rebato.

Mutauriri wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaDouglas Mahiya vanoti vari kuda kuti zvichemo zvavo zvigadziriswe. Izvi zvinosanganisa nyaya dzehutano, kuendeserwa vana kuzvikoro nezvimwe.

Hurukuro naVaDouglas Mahiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG