Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weZimbabwe kuBelgium Anoti Hapana Chizvarwa cheZimbabwe chakashaya pakuBhombwa kwakaitwa Belgium


Mumiriri weZimbabwe muBelgium VaTadeous Tafirenyika Chifamba vanoti hakuna mwana weZimbabwe akafa kana kukuvara mukubhombwa kwakaitwa guta guru renyika iyi reBrussels nemusi weChipiri.

Asi VaChifamba vati pane zvimwe zvizvarwa zviviri zveZimbabwe zvaipfuura nepanhandare yendege ye Zaventem yakabhombwawo iyi asi hazvina kukuvara. Imwe nzvimbo yakabhombwa chiteshi chinokwirirwa zvitima.

Vanhu makumi matatu nemumwe vakafa muchiitiko ichi uye vanhu mazana maviri nemakumi manomwe vakakuvara. Chikwata chinopfurikidza mwero cheIslamic State chinoti ndicho chakateya mabhambo aya.

NeChitatu Belgium yakaenderera mberi ichirangarira vanhu vakafa ava. Mazana nemazana evanhu akaungana panzvimbo yePlacede la Bourse muBrussels vakabata makenduru vachirangarira vakafa neChipiri ava.

Vakuru vehurumende muBelgium vanoti vakabhomba vachibva vazviuraya vamwe vacho mukoma nemunin’ina Ibrahim na Khalid El Baakraaoui.

Belgium Terror
Belgium Terror

Nyika yeAmerica inoti zvizvarwa zvayo hazvifanire kushanyira nyika dzekumawirira pari zvino sezvo pari kutyirwa kuti kunogona kubhombwa zvekare.

Asi VaChifamba vanoti seZimbabwe havasi kurambidza havo vanhu kufamba. VaChifamba vati vanenge vaine mibvunzo vakasununguka kufonera muzinda wavo muBrussels.

Hurukuro neMumiri weZimbabwe kuBelgium VaTadeous Tafirenyika Chifamba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG