Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotadza Kubhadhara Mabhonasi Avana Chiremba


Dr David Parirenyatwa
Dr David Parirenyatwa

Zvinhu hazvinawo kumira zvakanaka kuhurumende iyo nemusi weChitatu yakatadza kubhadhara vanachiremba mari dzavo dzemabhonasi sezvayainge yakavimbisa.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muhurumende iyo yakatadza kubhadhara vana chiremba mari dzavo dzemabhonasi nemusi weChitatu sezvayainge yakavimbisa.

Mutsamba yakanyorwa neChitatu kubazi rezvehutano nemukuru musangano reHealth Services Board, sangano iri rakati ramirirawo kunzwa kubva kubazi rezvemari kuti chii chapa kuti ritadze kubhadhara mari dzebhonasi idzi.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, kuti tinzwe divi ravo.

Asi mune mamwe mashoko kuvatori venhau kubva kubazi rezvemari, VaPatrick Chinamasa vakati veZimbabwe Republic Police vachapihwa mari dzavo dzemabhonasi nemusi weChishanu.

Vari mubazi rezvehutano nemajeregadhi vanonzi vachabhadharwa nemusi wa 7 Kubvumbi. Varairidzi vanonzi vachapihwa mari dzemabhonasi musi wa 30 Kubvumbi.

Kutadza kwehurumende kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi kwapa kuti makambani akawanda avharwe uye hurumende kuburikidza neZimbabwe Revenue Authority kana kuti ZIMRA itadze kuwana mari yemitero inozoshandiswawo mukubhadhara vashandi.

Mutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Fortune Nyamande, vanoti havana zvavaudzwa nezvekuti sei vasina kupihwa mari yebhonasi.

Hurukuro naDr Fortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG