Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoita Nguruve Iri Kuzvikanga neMafuta Ayo


Sangano ravana chipangamazano reZimbabwe Democracy Institute, ZDI, rinoti zvinhu zvanyanyisa kuita manyama amire nerongo mubato reZanu-PF zvisati zvamboonekwa munhoroondo yebato iri zvekuti rinogona kukundwa musarudzo nemapato anopikisa.

Sangano ravana chipangamazano reZimbabwe Democracy Institute, ZDI, rinoti zvinhu zvanyanyisa kuita manyama amire nerongo mubato reZanu-PF zvisati zvamboonekwa munhoroondo yebato iri zvekuti rinogona kukundwa musarudzo nemapato anopikisa.

Mashoko aya ari mugwaro raburitswa nesangano iri rinonzi Elite Discohesion and Authoritarian Erosion; Zanu-PF on The Precipice.

Sangano iri rinoti Zanu-PF yave nguruve iri kuzvikanga nemafuta ayo zvekuti vanopikisa vanokwanisa havo kungopeta maoko vosiya veZanu-PF vachibatana pahuro.

ZDI inoti chiri kunyanya kuti zvinhu zvisvike pakaipisisa inyaya yekuti VaMugabe vakwegura uye havachakwanisa kubatanidza musangano nekuti hapana achavateerera.

Rinotiwo kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika kwemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, kwapa kuti bopoto rinyanye.

Sangano iri rinoti nekutora divi rechikwata cheGeneration 40 vachirwisana nechikwata chinonzi chinotsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, Amai Mugabe vari kukuchidzira moto wemhirizhonga muZanu PF.

Mukuru wesangano iri, VaPedzisai Ruhanya, vanoti kunetsana kuri kuonekwa pane vakarwa hondo, vechidiki uye kusagadzikana mumauto, mapurisa uye vasori vachitora mativi panyaya yezvematongerwo enyika, kuri kusiya bato iri raita zinyeke nyeke.

Hurukuro naVaPedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG