Murwi wehondo yerusununguko uye vaive muZANLA High command, VaBernard Manyadza vaizivikanwa nekuti Parker Chipoyera munguva yehondo vanoti musangano wemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nevakarwa hondo uri kuitwa musi wa 7 Kubvumbi hauna zvauchaburitsa nekuti kunetsana mubato reZanu-PF kwasvika padanho rakaipisisa.
Mumwe murwi wehondo yerusununguko amai Margaret Dongo vakatoudza vakarwa hondo ava kuti vasaende kumusangano uyu kuri kuratidza kunyunyuta nemabatirwo avari kuitwa neseri kweruoko neZanu-PF.
Musangano uyu wakanangana nekugadzirisa kunetsana pakati pevakarwa hondo nevamwe vari muchikwata chinonzi G4 chemuZanu-PF chiri kutsigirana naamai Grace Mugabe.
Vakarwa hondo ava vanoti mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko, gurukota rezvedzidzo yepamusoro VaJonathan Moyo uye gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere vanofanira kudzingwa mubato nekukonzera nyonga nyonga.