Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oenderera Mberi neKusunga Vanonzi Vari Kunyomba VaMugabe paFacebook neWhatsApp


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Hurumende iri kuenderera mberi nekusunga vanhu vose vari kunzi vanenge vatuka kana kunyomba mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamadandemutande akaita se Facebook ne WhatsApp.

Mumwe murume wekuNyanga mubhuku ramambo Hata Nyanga, VaErnest Matsapa, vakasungwa muna Ndira vachipomerwa mhosva yekunyomba VaMugabe pa WhatsApp apo vanonzi vakatumira mashoko pachikwata chinonzi Nyanga Free Range chavanova nhengo pa WhatsApp ekuti VaMugabe vakwegura.

"100 years dziri kushupa kusvika akavavarira kuma ninety chakuti towards 100 unosvika wava chinhu chinonetsa kuchengeta. Nyakuchengeta unova ne patience dzokuchengeta anozopera simba ukazoita off duty. Zvino apa chicha pora chii nyama yese yaibva nokuchembera. Asi mwenya hatingazorasi mupenyu. Unosvika wava chunhu chinoshupa kuchengeta. Mumwe wakazobvunza asi Mwari wandikanganwa? ndava ipapo unenge usisina wezera rako achiripo uye ukada kutaura nyaya dzako unotaura dzaka expire. Vanhu vakazoenda kunoshopera kuti chabata munhu chii?

VaMatsapa vari kuramba nyaya iyi. Vari kumiswa pamberi pedare ramejastiriti kuNyanga musi wa 29 Kubvumbi. Magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights anoti vanhu vanodarika zana nemakumi mashanu vasungwa kubva muna 2010 vachipomerwa mhosva yekunyomba kana kutuka VaMugabe pasi pemutemo we Criminal Law (Codification and Reform) Act.

Magweta anorwrira kodzero dzevanhu anoti mutemo uyu unotyora bumbiro remitemo yenyika. Nyaya iyi iri kuzeyiwa nedare reConstitutional Court.

Asi mutevedzeri wemutungamiri wenyika, varizve gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti mutemo uyu haufanire kubviswa nekuti vanhu vakangotenderwa kutuka mutungamiri wenyika zvinogona kukonzera mhirizhonga nekusagadzikana munyika.

Amai Peggy Tavagadza vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti havaone VaMatsapa vachibatwa nemhosva iyi.

Hurukuro naAmai Peggy Tavagadza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Magweta eZLHR anoti muna Kukadzi, mapurisa ekuBindura, Mashonaland Central akasunga VaEdson Chuwe, mukuru wechikoro paShamva Primary School naamai Edna Garwe naVaLeeman Pwanyiwa vanoshanda pachikoro ichi vakasungwa vachinzi vainge vanyomba VaMugabe.

Vatatu ava vanonzi vakashandisa Facebook kuburitsa mifananidzo yekunyomba VaMugabe. Mapurisa anotiwo vatatu ava vakatumirazve mashoko paWhatsapp ekunyomba VaMugabe vachiti VaMugabe yasvika nguva yekuti vachienda pamudyandigere.

XS
SM
MD
LG