Accessibility links

Breaking News

Rwendo rwaVaMugabe kuJapan Rwoshorwa neVamwe


VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vange vachitarisirwa kusvika muJapan nemusi weChina murwendo rwavo rwemazuva mashanu.

Asi VaMugabe nemutungamiri weJapan VaShinzo Abe vari kushorwa vose nevamwe nezvekudyidzana kwavo.

VaMugabe vari kunzi nevanopikisa vari kusiya munyika nemubato ravo reZanu-PF muine kunetsana kwakanyanya vachienda kunosasana havo kuJapan.

KuJapan mamwe mapapepanhau akaita se Japan Times ari kushora VaShinzo achiti varikudyidzana sei naVaMugabe avo vanonzi nevamwe vanotyora kodzero dzevanhu.

Bepanhau iri rinoti vakuru muhurumende yenyika yeJapan vati VaMugabe vakakosha mukudyidzana kwenyika iyi neAfrica sezvo vaine chiremerera muAfrica.

VaMugabe vari kuenda pamberi pemusangano we Tokyo International Conference on African Development uri kuitwa ku Kenya muna Nyamavhuvhu.

KuZimbabwe vehurumende yaVaMugabe vanoti kumutsiridza hukama neJapan kunobatsira kusimudzira hupfumi hwenyika pasi pechirongwa cheZimasset.

VaMugabe vakapedzisira kuenda kuJapan muna Kurume gore rapera kumusangano we United Nations World Conference on Disaster and Risk Reduction.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaJoy Mabenge vanoti rwendo rwaVaMugabe harwuna charwunoburitsa. Vati zviri nani kuti VaMugabe vaite mushandirapamwe nemhuri yeZimbabwe kuti vagadzirise matambudziko akatarisana nenyika.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG