Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Voendeswa kuMatare neMasangano eVagari


VaSaviour Kasukuwere

Gurukota rinoona nezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, kanzuru yeHarare uye muchuchusi mukuru wehurumende, VaPrince Machaya, vaendeswa kudare repamusoro nevemasangano anomirira vagari muHarare neChitungwiza.

Gurukota rinoona nezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, kanzuru yeHarare uye muchuchusi mukuru wehurumende, VaPrince Machaya, vaendeswa kudare repamusoro nevemasangano anoti reCombined Harare Residents Association kana kuti CHRA nereChitungwiza Resident TRUST kana kuti CHITREST vachinzi vari kutyora bumbiro remitemo pane zvimwe zvavari kuita.

Nyaya idzi dzinosanganisira yekusarudzwa nekanzuru kwaVaJames Mushore kuti vave munyori weguta asi VaKasukuwere vachibva varamba kuzvitambira.

Asi gweta reCHRA, VaTonderai Bhatasara, vanoti VaKasukuwere vari kushandisa bumbiro remutemo rakare.

Masangano evagari anoti CHRA, CHITREST, Harare Residents Alliance, Chitungwiza Progressive Residents Association, Norton Residents Alliiance, Epworth Residents Development association, Simukai Goromonzi Residents Trust neCommunity Water Alliance akaburitsa mashoko achiti VaKasukuwere vari kutyora mutemo mubabatiro avari kuita basa.

Hurukuro naVaTonderai Bhatasara
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG