Accessibility links

Breaking News

Mari Yoshomeka muMabhanga


Dr John Mangudya
Dr John Mangudya

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika nenyaya yekushomeka kwemari mumabhanga. Mabhanga adzikisa mari irikutorwa kana kutovhara maATM neZimswitch.

Mari dziri kutorwa mumabhanga dzadzikiswa kusvika pamadhora mazana mashanu pazuva.

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Dr John Mangudya vatenda kuti paita dambudziko remari asi vakakurudzira vanhu kuti vashandise dzimwe nzira dzekubhadhara nadzo dzakafanana nemaATM cards kana macheque.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Dr Prosper Chitambara vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti kushomeka kwemari mucherechedzo wekuti hupfumi hwenyika hausi kushanda zvakanaka.

Nyaya yekuti Zimbabwe inoshandisa mari dzekunze iri kupawo kuti bhanga reRBZ ritadze kugadzirisa dambudziko iri nekuti harina simba rekudhinda mari.

XS
SM
MD
LG