Munin’ina waVaItai Dzamara, mutori wenhau anorwira kodzero dzevanhu akapambwa gore rapera, VaPatson Dzamara neshamwari dzavo kusanganisa VaKumbirai Mafunda vanova sachigaro wesangano reMISA-Zimbabwe vachishandawo nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vakaratidzira murunyararo neChitatu muAfrica Unity Square muHarare.
VaPatson Dzamara vakasvika makore makumi matatu ekuberekwa nemusi weChitatu asi vakabva vatora mukana uyu kuti varatidzire.
VaPatson Dzamara vakanyora paFacebook peji yavo kuti vaipemberera zuva ravo rekuberekwa asi vasina mufaro mumoyo. “Nhasi ndasvitsa makore makumi matatu uye ndinoda kutenda Mwari nechipo chehupenyu. Apo ndinenge ndichipemberera zuva rekuzvarwa kwangu, mufaro wangu uri kukundwa nekudzimbikana kwekutsakatika kwakaita Itai Dzamara.
Asi ndine chivimbo chekuti Mwari vachandipa mukana wekusangana nemukoma wangu pasi pano.
Ndinovimbisa kuita zvose zvandinogona kuzadzikisa zvido zvemusiki, zvenyika yangu uye zvepasi rino kubatsira vamwe. Ndokunzwisisa kwangu kuda nyika yako nehutungamiri.”
VaDzamara vakapambwa muna Kurume kuGlen View apo vaigerwa. Mapurisa akanzi nedare repamusoro atsvage VaDzamara asi kusvika parizvino vanoti hapana humbowo hwekuti aripi.
Asi magweta nehama dzavo vanoti mapurisa haasi kutsvaga VaDzamara nemwoyo wose. VaDzamara nevamwe vavo vairatidzira muAfrica Unity Square vachikurudzira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti vaende pamudyandigere nekuti vainge vakundikana basa.