Accessibility links

Breaking News

DMC Yobhadhariswa Mari yeKusvibisa Nzizi kwaMarange


Kambani yeDiamond Mining Company kana kuti DMC nemusi weChitatu yakabhadhariswa churu chimwe chete chemadhora nemhosva yekusvibisa mvura yemumarwizi anoti Save naSingwizi kwaChiyadzwa, Marange kuManicaland.

Sangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa reEnvironmental Management Agency kana kuti EMA ndiro rakaendesa kambani iyi kumatare.

DMC nemamwe makambani aichera mangoda kwaMarange akatorerwa marezinesi ekuchera mangoda nehurumende achipomerwa mhosva yehuori. Mejastiriti wekwaMutare VaLangton Mukwengi vakapa mutongo uyu vakati DMC inofanira kubhadhara mari iyi nechimbi chimbi.

Gweta rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa VaShamiso Mtisi vanoti mari yabhadhariswa kambani iyi ishoma zvikuru zvekuti makambani anogona kupota havo achisvibisa nzizi sezvo mari dzemitero dzakaderera.

Vati kambani inobvisiswa mari inosvika pazviiuru zvishanu zvemadhora chete. Vanhu vekwaMarange vanoti vakageza mvura yemunzizi idzi vanotanga kuvawiwa uye mombe dzavo dziri kufa. Vamwe vanoti vari kutya kutyi vachaita zvirwere zvegomarara.

Hurukuro naVaShamiso Mtisi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG