Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Voramba Kutambira Munyori Mukuru weGuta reHarare Ange Adomwa neKanzuru


VaSaviour Kasukuwere
VaSaviour Kasukuwere

Gurukota rinoona nezvekutongwa kwematunhu VaSaviour Kasukuwere vari kuramba kutambira munyori mukuru wekanzuru yeHarare akadomwa nemusi weChina nekanzuru yeHarare.

Kanzuru yeHarare yainge yadoma VaJames Mushore vaimbova mukuru webhanga re NMB VaJames Mushore. VaMushore vari kuda kunzi vatsive VaTendai Mahachi avo vakamanikidzwa kuenda pamudyandigere.

Meya weguta reHarare VaBernard Manyenyeni vaudza Studio 7 kuti kanzuru ichangopedza kupa VaMushore basa, VaKasukuwere vabva vanyora tsamba vachiti kanzuru yainge yatyora mutemo nekudaro zviitwa vange vasiri kuzvitambira.

VaKasukuwere vanonzi vati kanzuru yaifanira kuendesa mazita matatu kuBhodhi rebazi ravo vasati vapa munhu basa.

VaManyenyeni vati nekuda kwekuti vanhu vave pazororo reEaster hakuna zvimwe zvinjinji zvavangaite parizvino.

XS
SM
MD
LG