Accessibility links

Breaking News

VaZhuwao Vanoti Havadududze paMakambani Asiri Kutevera Mutemo


VaPatrick Zhuwao
VaPatrick Zhuwao

Gurukota rinoona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaPatrick Zhuwao, vanoti hurumende haisi kuzodududza pachirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema icho chave kushorwa nevakawanda munyika.

Gurukota rinoona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaPatrick Zhuwao, vanoti hurumende haisi kuzodududza pachirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema icho chave kushorwa nevakawanda munyika.

Dare remakurukota rinoti makambani ose evekunze panosvika musi wa 1 Kubvumbi anofanira kunge apa hurumende magwaro anoratidza kuti achaita sei kuzadzikisa mutemo wekuti vatema vawane zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana.

Hurumende inonzi haisi kufarawo kuti hapana makambani ati aisa mari muhomwe yekupa vatema mukana wekuita hupfumi, kana kuti “empowerment levy” yakaumbwa naVaZhuwao yekuti vaise zvikamu gumi kubva muzana zvemari yavanowana pagore muhomwe iyi.

Sachigaro wesangano reZimbabwe National Liberation War Veteran’s Association, VaChris Mutsvangwa, avo vakadzingwa kuva gurukota vanoti havatenderani nehurumende nedanho rekukanzura marezinesi.

Bepanhau reNewsDay rinoti VaMutsvangwa vakati vakarwa hondo vacharwisa chirongwa ichi vachiti chinopfumisa vashoma.

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions rakatonyorawo tsamba kuna VaZhuwao svondo rapera richiti chirongwa chavo kukokera mhepo wakatakura mamera mutswanda.

IMF neWorld Bank, mabhanga anokweretesa mari pasi rose akatiwo mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema uyu unofanira kugadziriswa nekuti uri kukanganisa vekunze vanoda kuvamba mabhizimisi munyika.

VaZhuwawo vaudzawo Studio 7 kuti kana paine vasiri kunzwisisa chirongwa chavo vakasununguka kuuya kuhotera yeRainbow Towers uko vachange vachitaura nevemabhizimisi nemusi weChitatu.

Hurukuro naVaPatrick Zhuwao
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG