Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voita Musangano neMutungamiri weHurumende yeJapan, VaShinzo Abe


Mutungamiri wehurmende yeJapan VaSinzo Abe

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, nemusi weMuvhuro vakasangana namambo weku Japan, VaAkihito nemudzimai wavo, Empress Michiko, murwendo rwaVaMugabe ku Japan.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, nemusi weMuvhuro vakasangana namambo weku Japan, VaAkihito nemudzimai wavo, Empress Michiko, murwendo rwaVaMugabe ku Japan.

VaMugabe nemudzimai wavo vakakokwa nemutungamiri wehurumende ye Japan, VaShinzo Abe, kuti vazosimbaradza kudyidzana kwenyika mbiri idzi pamberi pemusangano wechitanhatu we Tokyo International Conference on African Development, (TICAD) uyo uchaitirwa mu Kenya muna Nyamavhuvhu.

TICAD chirongwa chakavambwa muna 1993 nehurumende ye Japan, United Nations Development Program, African Union Commission, pamwe ne World Bank, paine chinangwa chekusimudzira hupfumi hwe Africa.

VaMugabe vari kushanya kwemazuva mashanu vachiedza kunokwezva vekunze kuti vauye kuzotanga mabhizimisi munyika.

Bepanhau reJapan Times rinoti VaMugabe vaita musangano nevatori venhau pamwe naVaAbe.

VaMugabe vakasvika munyika iyi neSvondo vachibva kuSingapore uko vanomboenda kunorapwa.

Asi hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, kuti tinzwe kuti vange vafambirei ku Singapore.

Vachitaura nevatori venhau, VaMugabe vakurudzira vemabhizimisi emunyika yeJapan kuti vauye kuzotanga mabhizimisi muZimbabwe zvikuru munyaya yekucherwa kwezviwanikwa.

Vachitaurawo pamusangano uyu, VaAbe vati vachapa Zimbabwe mari inosvika madhora mamiriyoni mashanu yekugadzira mugwagwa uye vati vachabatsirawo munyaya yechikafu sezvo Zimbabwe yakatarisana nenzara inotyisa.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti misangano yekukwezva vekunze iyi haishande kana Zimbabwe ichiramba yakatsika madziro pamitemo yakaita seyekuendesa hupfumi kuvatema.

Svondo rapera gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaPatrick Zhuwao, vakatozivisa kuti nemusi wa 1 Kubvumbi makambani anenge asina hurongwa hwakajeka hwekuendesa hupfumi kuvatema achavharwa.

Chipangamazano chehurumende uye vachidzidzisa nyaya dzezvehupfumi paUniversity of Zimbabwe, Doctor Gift Mugano, vanoti zvakakosha kuti VaMugabe vaende kumisangano yakadai asi mitemo yezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema inofanira kuvandudzwa.

Hurukuro naVaGift Mugano
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG