Accessibility links

Breaking News

Chipatara cheHarare Central Chovhara Divi reKunosvikira Varwere


Kuvharwa kwekunosvikira varwere kunonzi kucharemedza vanhu vakawanda
Kuvharwa kwekunosvikira varwere kunonzi kucharemedza vanhu vakawanda

Kuramwa mabasa kwavana chiremba vachangopedza zvidzidzo zvavo kwakonzera kuvharwa kwenzvimbo inosvikira varwere kuchipatara cheHarare Central sezvo vana chiremba vashoma vari kushanda pachipatara apa vachinzi vawandirwa nebasa.

Mukuru wechipatara ichi, icho chinozivikanwa zvakanyanya nekuti paGomo, Amai Peggy Zvavamwe, vanyora tsamba ichienda kuvakuru vemapoka ose echipatara ichi vachizivisa kuti kutanga musi wa1 Kubvumbi 2016, vanenge vasisatambiri vanhu ku outpatient clinic.

Vati vanenge vave kungotora vanhu vanenge vachirwara zvakanyanya chete.

Amai Zvavamwe vati izvi zvakonzerwa nekutadza kuwirirana kuripo pakati peHealth Services Board navana chiremba ava pamusoro pezvibvumirano zvekupinda mabasa, izvo vari kuramba kusaina vachiti zvinotyora kodzero dzavo sevashandi.

Vana chiremba vakakanda mapadza pasi mukutanga kwemwedzi waKurume vachiramba zvimwe zviri muzvibvumirano izvi, kusanganisira kusabuda pachena kwehurumende kuti vanenge vachitambiriswa marii pamwedzi.

Hurumende svondo rapera yakabuda nerimwe gwaro rakavandudzwa rave kutaura kuti vanachiremba ava vanenge votambira mazana nasere nemakumi mapfumbamwe emadhora nemadhora mashanu asi vana chiremba vahciri kungoramba kuasaina.

Chipatara cheMpilo Central Hospital kuBulawayo chakavharawo kunosvikira varwere svondo rapera nezvikonzero zvimwechetezvo.

Studio 7 haina kukwanisa kubata vakuru vechipatara cheharare central kanawo gurukota rezvehutano Dr. David Parirenyatwa sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi Dr. Martin Mlilo vanove mumwe chiremba ane ruzivo nezviri kuitika pachipatara apa vanoti kuvharwa kwechipatara ichi kuchatoomesera vanhu zvakanyanya sezvo vazhinji vanga vachimhanyirako kana vawirwa nematambudziko.

Hurukuro naDr. Martin Mlilo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvatsinhirwawo naDr. Rutendo Bonde vanowe sachigaro weZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, avo vanoti vari kunyanyoomerwa varombo avo vanga vachiponera pazvipatara zvikuru zvavharwa izvi.

“Chiitiko chinosiririsa panguva imwecheteyo chiri chiitiko chinonzwisisika kana takatarisa nyaya dzine chekuita nehutano hwakanaka dziri kusimudzwa nevashandi vehutano vari kushandira pachipatara apa,” Dr. Bonde vanodaro.

Vanoti kana vanachiremba vachinge vawandirwa nevarwere vasisakwanisi kuvaona nekuvabatsira, vashoma vachiri pabasa ivavo vanoremerwa izvo zvinopedzisira zvokanganisa zvavanotarisirwa kunge vachiita.

Dr. Bonde vanoti zvakakosha zvikuru kuti bazi rezvehutano ribate nyaya iyi sechimbichimbi kuburikidza nekutora matanho anodzivirira njodzi.

“Gurukota rezvehutano ringadai rakatotora matanho echimbichimbi akaita sekushevedza vanachiremba vekuchiuto kuti vapinde muzvipatara zvehurumende nekuti hapana anga asingazivi nyaya yekuramba kutambirwa kwezvibvumirano zvemabasa izvi navanachiremba ava kubva gore rapera chairo,” vanodaro Dr. Bonde.

Hurukuro naDr. Rutendo Bonde
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG