Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voshorerwa Mashoko Avakataura kuJapan


VaRobert Mugabe

Mapato anopikisa ari kushora zvikuru mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti vakada kuenda pamudyandigere mhuri yeZimbabwe inova nekurwadziwa kwakanyanya sezvo vanhu vakawanda vachivatsigira.

Mapato anopikisa ari kushora zvikuru mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti vakada kuenda pamudyandigere mhuri yeZimbabwe inova nekurwadziwa kwakanyanya sezvo vanhu vakawanda vachivatsigira.

VaMugabe vakataura mashoko aya nevatori venhau vekuJapan uko vari kushanya kwemazuva mashanu.

Vakatiwo kana vari mutano vachakwikwidza musarudzo dzemuna 2018 kunyangwe hazvo vanenge vave nemakore makumi mapfumbamwe nemana.

VaMugabe vakatosarudzwa muna 2014 nebato reZanu-PF kuti vari mirire musarudzo dzinotevera idzi.

Mutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party, VaGeorge Mkwananzi, vanoti VaMugabe vakwegura uye ngavachienda pamudyandigere.

Asi sachigaro weZanu-PF ku United Kingdom, VaNick Mangwana, vanoti VaMugabe vakabaya dede nemukanwa pakuti vane rutsigiro rwakasimba.

Hurukuro naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti VaMugabe vangatofadza vanhu vemunyika kana vakasiya basa izvozvi.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti VaMugabe vari kuendesa nyika kumawere zvekuti vakaenda pamudyandigere hakuna anoshaya hope.

Hurukuro naVaPedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG