Accessibility links

Breaking News

Makambani emuSouth Africa Okurudzira Hurumende Yavo Kuti Iomesere Makambani emuZimbabwe paHondo yeMutero


Vemakambani ekuSouth Africa vanoti vave kuda kuti hurumende yavo iomesere makambani emuZimbabwe zvichitevera kukwidzwa kwemitero neZimbabwe yekuti zvinogadzirwa muSouth Africa zvipinde muZimbabwe.

Gurukota rinoona rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vakakwidza mari dzemitero idzi vachiti zvigadzirwa zvemuSouth Africa zvainge zvokanganisa mabhizimisi emuZimbabwe. Mitero yakakwidzwa ndeye zvinhu zvinosanganisa sipo, mafuta ekubikisa nezvimwe.

South Africa ndiyo nyika inonyanya kutengeserana zvakanyanya neZimbabwe. Asi kutengeserana uku kunonyanya kubatsira South Africa.

Mutevedzeri wemukuru we Employers Confederation of Zimbabwe VaCallisto Jokonya vanoti mabhizimisi emunyika anofanira kudzivirirwa nehurumende kuti asavhare ose.

XS
SM
MD
LG