Accessibility links

Breaking News

Politburo yeZanu-PF Yosangana muHarare Asi Kurwisana Kworamba Kupera


VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe
VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe

Bato reZanu-PF riri kuita musangano waro wePolitburo kuyedza kupedza matambudziko akasangana nebato iri zvikuru nyaya dzekurwisana panyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaMugabe vave nemakore makumi mapfumbamwe nemaviri ekuberekwa asi hapa kujeka kuti ndiyano achatora chigaro chavo. Vakatozivisawo kuti kana vachinge vakasimba vachakwikwidza musarudzo dzemuna 2018.

Pane kunetsana kunotyisa pakati pechikwata chinonzi chiri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnanangagwa nechimwe chinonzi Generation 40 chinotsigirana naAmai Grace Mugabe.

Kunetsana uku kunonzi kwakanyanya muMidlands, Masvingo, Mashonaland East neMashonaland West.

Dzimwe nhengo dzebato dzakatarisana nekudzingwa. VaMugabe nemusi weChina vachasangana nevakarwa hondo yerusununguko vozoita musangano weCentral Committee nemusi weChishanu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira Media Centre VaErnest Mudzengi vanoti havaone misangano yeZanu-PF iyi ichipedza matambudziko akatarisana nebato iri.

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, sangano reZimbabwe Peace Project raburitsa gwaro richishora zvikuru mhirizhonga iri kuitika mubato reZanu-PF nenyaya yekunetsana kwezvikwata zviri mubato iri.

ZPP inoti chikwata chinozivikanwa nekuti Al Shabaab chekuKwekwe chakarova vamwe vatsigiri vebato iri mukunetsana kwavari kuita.

Vakarohwa ava, VaPambanani Phiri naVaLisbon Jaure vanonzi vainge vaenda kunochingamidza mutungamiri wenyika VaMugabe avo vainge vadzoka kubva kunoshanya kusingapore nejapan mukupera kwesvondo.

ZPP yakurudzira vatungamiri vebato reZanu-PF kuti vamise chikwata ichi kuita zvemhirizhonga uye sangano iri rati riri kukatyamadzwa nenyaya yekuti zvikwata zvinemazita ezvikwata zvinopfurikidza mwero zvekusomali anotenderwa kuita madiro ajojina munyika.

Chikwata cheAl Shabaab munguva dzesarudzo chinonzi nevanopikisa chinoshandiswa mukuvashungurudza asi ikozvino chinonzi chiri kutsigira VaMnangagwa.

Nhengo yeZanu-PF Central committee VaJoseph Tshuma vaudza Studio 7 kuti vose vanoita zvemhirizhonga vanofanira kusungwa. Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaMnangagwa nezvenyaya iyi.

Mukuru weZPP muzvare Jestina Mukoko vanoti vezvematongerwo enyika havafanire kushandisa zvibhakere mukutsvaga rutsigiro.

Hurukuro naMuzvare Jestina Mukoko
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG