WASHINGTON —
Chikwata cheZimbabwe chemadzimai kana kuti maMighty Warriors chakunda Zambia kana kuti Shepolopolo 1-0 mumutambo wekutanga weAfrican Women Championship wakatambirwa kuRufaro Stadium nemusi weChitau.
Mutambo wechipiri uchatambwa nemusi weSvondo kuLusaka, Zambia. Akanwisa chibodzwa cheZimbabwe ndiKudakwashe Basopo mushure memaminesti makumi mana nemashanu.
Chikwata chemaMighty Warriors chakakunda hacho kunyangwe zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka mukamba macho nenyaya yekuti vatambi havasi kutambiriswa mari.
Vanokunda mumakwikwi aaya vachaenda kuCameroon gore rino kuchaitirwa makwikwi eAfric Women’s Championship kutanga musi wa 19 Mbudzi opera musi wa 3 Zvita.