Magweta ari kumirira nhengo yeMDC Alliance, VaNyasha Zhambe Mawere, avo vanonzi vakapondwa mwedzi wapera nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF, apa mapurisa mazuva manomwe kuti aferefete nyaya iyi kana kuti ovatorera mamwe matanho.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti mimwe mitemo yakatarwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weChipiri yakananganga nekudzivirira kupararira kwemhando itsva yeCovid-19 inonzi omicron inoratidza kuti havana kutanga vataura nevane ruzivo nezvehutano.
Mukuru weZimbabwe Investment and Development Agency VaDouglas Munatsi vakashaya neMuvhuro mushure mekutsvira mumba muHarare.
Apo pasi rose riri kugeda geda meno nekuda kwemhando itsva yechirwere cheCovid-19 yakawanikwa kuSouth Africa inonzi omicron inopararirira zvakanyanya, bazi rezvehutano rinoti nemusi weMugovera vanhu zana negumi nevashanu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika.
Mushure mekupedza nguva yakareba nyika ichishorwa nekusaita sarudzo nemasangano anorwira kodzero dzevanhu nenyika dzekunze, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazozivisa kuti sarudzo dzemaby-elections dzave kuitwa muna Kubvumbi.
Vakaremara vari kukurudzira gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, avo vari kuparura bhajeti rehurumende ra2022 nemusi weChina, kuti vawedzere mari dzekuvasimudzira sezvo vaomerwa nehupenyu zvakanyanya.
Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kutarisirwa nemusi weChina kuparura bhajeti ravo regore rinouya vachivimbisa kuti rinenge rakanangana nekusimudzira varombo.
Zimbabwe Electoral Commission iri kutarisirwa kutanga musi wa 6 Zvita hurongwa hwekupinda muvanhu ichivanyoresa kuti vavhote musarudzo dza2023.
Bhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reInternational Monetary Fund kana kuti IMF rinoti harisi kuzokweretesa Zimbabwe mari sezvo iine zvikwereti zvakawanda kunze zvairi kukundikana kubhadhara.
Bazi rezvehutano rinoti richiri nechivimbo chekuti vanhu mamiriyoni gumi vange vabayiwa nhomba yeCovid-19 munyika mukupera kwemwedzi unouya kuti intyatsoshande zvakanaka kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Bato guru rinopikisa reMDC Alliance rinoti vatsigiri varo varohwa zvakaipisisisa nemapurisa kuMabvuku muHarare apo vange vachiita mhemberero dzavo dzekusvitsa makore makumi maviri bato ravo raumbwa.
Nyika mazana maviri dzainge dziri kumusangano wezvekushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti COP26 kuGlasgow, Scotland dzakati dzakazvipira kutsvaga nzira dzekumisa kusvibiswa kwemweya wekufema.
Zimbabwe yakatotarisira kutanga hurongwa hwekubaya vane vane makore gumi nematanhatu negumi nemanomwe nhomba yeSinovac zvichitevera kuridziro kubva kunyanzvi munyaya dzezvemashandiro enhomba. Mukuzeya nyaya iyi, tabata Dr Mahomva tikatanga nekuvabvunza nezvekubaya mamwe mazere madiki evana,
Mutauriri webato reZanu-PF VaSimon Khaya Moyo vashaya nhasi kuchipatara cheMater Dei muBulawayo
Vaimbova mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaFrederick Willen de Klerk vakashaya nemusi weChina.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaisa runyoro rwavo pagwaro rakakosha rino kurudzira hutongo hwejekerere munyika dzemuAfrica uye kuitwa kwesarudzo dzakachena kana kuti African Charter on Democracy, Elections and Governance.
Mukuru wemapurisa kuMasvingo Rural apihwa mazuva manomwe nemagweta kuti aferefete kurohwa zvakaipisisa nemapurisa kwevamwe vadzidzi veform yechitatu vairatidzira pachikoro cheGokomere nemafambisirwo ari kuitwa nyaya dzekuranga vana pachikoro ichi.
Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi varamba kuti hurumende yakatovandudza mutemo mutsva unoona nezvemasangano akazvimirira apo yakaburitsa bhiri rePrivate Voluntary Organizations Bill nemusi weChishanu mugwaro rayo reGovernment Gazette.
Mutauriri wesangano revashandi rehurumende reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions VaGibson Mushangu vanoti pamari dzebhonasi dzavakatenderana nehurumende vari kuda kuti vashandi vose vapihwe mari mwedzi uno sezvo dhora remunyika riri kuramba richishaya simba.
Zimbabwe neSvondo yakapinda muzuva retatu pasina munhu ati afa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere ichi vachiri zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi masere nemashanu kana kuti 4, 685.
Rodhai zvimwe