Accessibility links

Breaking News

IMF Inoti Haisi Kuzokweretesa Zimbabwe Imwe Mari Kudzamara Yabhadhara Zvimwe Zvikwereti


Bhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reInternational Monetary Fund kana kuti IMF rinoti harisi kuzokweretesa Zimbabwe mari sezvo iine zvikwereti zvakawanda kunze zvairi kukundikana kubhadhara.

Zimbabwe ine chikwereti chinosvika mabhiriyoni gumi emadhora ekuAmerica chairi kutadza kubhadhara kuWorld Bank, African Development Bank, European Investment Bank neParis Club.

IMF yakatura mashoko aya kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure mekupedza mwedzi ichiongorora mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi.

Izvi zvakaitwa kuburikidza nemadandemutande nenyaya yechirwere cheCovid-19.

IMF inoti kuti Zimbabwe, yave nemakore makumi isina kukwereteswa mari nebhanga iri ikwereteswe mari, inofanira kubhadhara zvikwereti kana kutenderana nevayakakwereta kuti yobhadhara sei chikwereti ichi. IMF.

Kunyangwe hazvo Zimbabwe yakakanganiswa zvakanyanya nechirwere cheCovid-19 sedzimwe nyika.

IMF inoti inotarisira kuti hupfumi huchakwira nezvikamu zvitanhatu kubva muzana gore rino.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaVictor Bhoroma, vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti Zimbabwe igadzirise zvimwe zviri kukurudzirwa neIMF kuitira kuti isimudzire hupfumi hwenyika.

Hurukuro naVaVictor Bhoroma
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG