Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voisa Runyoro Rwavo paChisungo cheAfrican Union Chekuita Sarudzo Dzakachena


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaisa runyoro rwavo pagwaro rakakosha rino kurudzira hutongo hwejekerere munyika dzemuAfrica uye kuitwa kwesarudzo dzakachena kana kuti African Charter on Democracy, Elections and Governance.

Magweta anoongorora nyaya dzezvemitemo munyika nemabasa eparamende eVeritas aburitsa mashoko kuvatori vanhau achiti azviviswa negurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kuti mutungamiri wenyika aizoisa runyoro rwake pachibvumirano ichi.

VaMnangagwa vakatanga varatidza kuzvipira kutambira chibvumirano ichi kumusangano weAfrican Union musi wa 21 Kurume muna 2018.

Vakazopihwa mvumo nedare reparamende muna Kurume 2019 kuti Zimbabwe ive panyika dzinobatwa nezvisungo zveAfrica Charter iyi asi Veritas inoti zviri kuishamisa kuti sei zvatora makore matatu kuti VaMnangagwa vazoisa runyoro rwavo. Studio 7 hainawo kukwanisa kubata VaZiyambi kuti tinzwe divi ravo.

Asi sachigaro wesangano rakazvimirira rinoongorora sarudzo reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN VaAndrew Makoni vati vanotambira danho iri uye vane chivimbo chekuti Zimbabwe ichatanga kutevedzera chibvumiramo ichi musarudzo dzema by elections dziri kutarisirwa mukutanga kwegore rinouya nedza2023.

Hurukuro naVaAndrew Makoni
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG