Accessibility links

Breaking News

Magweta Opa Mapurisa Mazuva Manomwe Kuti Aferefete Kupondwa kweNhengo yeMDC Alliance


Mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga
Mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga

Magweta ari kumirira nhengo yeMDC Alliance, VaNyasha Zhambe Mawere, avo vanonzi vakapondwa mwedzi wapera nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF, apa mapurisa mazuva manomwe kuti aferefete nyaya iyi kana kuti ovatorera mamwe matanho.

Vatsigiri veZanu-PF ava vaiyedza kurambidza mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, kuita misangano nevatsigiri vavo mudunhu reMasvingo.

VaMawere vanonzi vakaitwa kafiramberi vakaendeswa kuchipatara kwaGutu vasati vaendeswa kuHarare uko vakashayikira nemusi weChishanu, vakaradzikwa nemusi weMugovera kwaGutu.

Asi vasati vashaya vakanomhan’ara kumapurisa nekuvapa mazita evanhu vavaipomera mhosva yekuvaita kafiramberi.

Asi mapurisa anonzi akatombochengetedza mudzimai wemufi nemunin’ina wake vakange vachinyunyuta kuti sei vainge vasiri kusunga vanhu vari kupomerwa mhosva yekuponda iyi.

Gweta riri kumiririra mhuri yamushakabvu Mawere, VaMartin Mureri ,vanova nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza Studio 7 kuti mapurisa anofanira kuita zvaanosungirwa nebumbiro remutemo zvekuferefeta mhosva dzinenge dzaparwa.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati havasati vasumwa nyaya iyi nemapurisa ekuMasvingo.

Hurukuro naVaMartin Mureri
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG