Vakaremara vari kukurudzira gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, avo vari kuparura bhajeti rehurumende ra2022 nemusi weChina, kuti vawedzere mari dzekuvasimudzira sezvo vaomerwa nehupenyu zvakanyanya.
Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi, vachirwirawo kodzero dzevakaremara uye vasingaone, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti pari zvino vakaremara vari kupihwa madhora zviuru zvitatu zvemunyika pamwedzi.
Ongororo yakaitwa nesangano reUnited Nations Educational, Scientific and Cultural Organization, kana kuti UNESCO, yakaburitsa pachena kuti vakaremara ndivo vakanyanya kuomerwa nehupenyu munguva yeCovid-19 muZimbabwe sezvo vainge vokundikana kuzviitira mabasa emaoko kana kupemha.
Vasikana vakaremara vanonzi vari kumbunyikidzwawo zvakanyanya munguva dzino dzekurwisa denda iri.
Vakaremara vanonzi neongororo iyi vari kutadza kuenda kuchikoro kana kuzvipatara.
VaKuchera vati zvakakosha kuti paiswe mari parutivi yekuti vakaremara vakwanise kurapwa nyore.
Facebook Forum