Mukuru weZimbabwe Investment and Development Agency kana kuti ZIDA VaDouglas Munatsi vakashaya neMuvhuro mushure mekutsvira mumba muHarare.
VaMunatsi vanonzi vakatsvira mumba mu 9th Floor pana Fifth Street naJosiah Tongogara Avenue muHarare. Mapurisa anoti achiri kuferefeta chakonzera moto uyu unonzi wakatanga nenguva dza3 mangwanani. VaMunatsi vakamboshandira bhanga reBancABC vasati vadomwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kutungamira ZIDA..
Mumashoko kuvatori venhau sangano reNorthfields Owners Association panova paigara VaMunatsi rinoti vamwe vagari vakadaidza motokari dzekudzima moto dzeFire Brigade asi hapana zvadzakwanisa kuita kubatsira VaMunatsi kunze kwekumisa kuti moto uyu usapararire kune dzimwe dzimba.
VaMnanngagwa mumashoko avo ekunyaradza mhuri yaVaMunatsi vati hazvina kunyatsojeka kuti chii chakakonzera moto uyu vachiti nyika yarasikirwa nemunhu aishanda zvakasimba kuyedza kukwezva vemabhizimisi vekunze.
Facebook Forum