Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti Mapurisa Haasi Kuzoimisa Kunyoresa Vatsigiri Vayo Kuti Vavhote


Vatsigiri veMDC Alliance

Zimbabwe Electoral Commission iri kutarisirwa kutanga musi wa 6 Zvita hurongwa hwekupinda muvanhu ichivanyoresa kuti vavhote musarudzo dza2023.

Bato guru rinopikisa reMDC Alliance rinoti riri kuda kutsvaga mavhoti mamiriyoni matanhatu zvikuru kumaruwa uko mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vatori kutsvaga rutsigiro kuBinga.

Vakafanobato chigaro chemutauriri webato reZanu-PF VaMike Bimha vakaudza Studio 7 kuti chinangwa chavo ndechekuti vatsigiri vavo mamiriyoni mashanu vanyorese kuvhota.

Asi mutauriri weMDC Alliance mudunhu reBulawayo VaSwithern Chirowodza vanoti zvirongwa zvavo zvekukurudzira vanhu kunyoresa kuvhota zviri kukanganiswa nemapurisa asi havasi kuzodududza.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. VeMDC Alliance vanotiwo havana chivimbo neZEC.

Asi sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumbo vanoti pane vamwe vanongoda kusvibisa zita reZEC nepamwe painenge isina kana kukanganisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG