Accessibility links

Breaking News

Vashandi Voda Kupihwa Bhonasi Vose Mwedzi Uno Sezvo Dhora reNyika Roshaya Simba


Mutauriri wesangano revashandi rehurumende reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions VaGibson Mushangu vanoti pamari dzebhonasi dzavakatenderana nehurumende mumisangano yavange vachiita, vari kuda kuti vashandi vose vapihwe mari mwedzi uno sezvo dhora remunyika riri kuramba richishaya simba.

Makore adarika, hurumende inopa vashandi mari dzebhonasi mwedzi yakasiyana siyana ichitanga nemauto nemapuris ichiti haikwanise kuvapa kamwe chete.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube negurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vakatenda kuti hurumende semakore ose ichapa vashandi mari dzebhonasi kutanga mwedzi uno. VaMavima vakamboudzawo Studio 7 kuti sezvo hurumende yamboyedza napose painogona kuwedzera vashandi mari yemihoro, chasara kungovapa bhonasi gore rino.

Asi vashandi vachiri kuchema chema kuti mari yavari kutambiriswa ishoma sangano rinomirira varairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe richiti riri kuronga kuratidzira panotanga kunyorwa bvunzo dzeO neA Level.

Kunyangwe pamusika uri pamutemo wehurumende dhora rekuAmerica riri kutengwa nemadhora anodarika makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe emunyika kana kuti 1:98.98 pamusika wemukoto parinowanikwa zviri nyore riri kutengwa nemadhora anosvika zana nemakumi masere nemashanu kana kuti 1; 185 dzimwe nguva mazana maviri kana kuti 1:200.

Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya mwedzi wapera vakamanikidza vemarketwatch.co.zw nevamwe vanoburitsa mutengo wedhora pamukoto vachiti ndivo vave kupa kuti dhora remunyika ritonyanya kushaya simba.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti dhora rinowana simba chete kana nyika ichigadzira zvakawanda zvekutengesda kunze uye iine gwara rehupfumi rakajeka.

Hurukuro naVaGibson Mushangu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG