Bato guru rinopikisa reMDC Alliance rinoti vatsigiri varo varohwa zvakaipisisisa nemapurisa kuMabvuku muHarare apo vange vachiita mhemberero dzavo dzekusvitsa makore makumi maviri bato ravo raumbwa.
Izvi VaChikombo vanoti zviri kuitika panguva iyo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, mutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga nebato ravo reZanu-PF vari kuita misangano mumatunhu ose kunyangwe mimwe yacho iri kuguma yaita mhirizhonga.
VaChikombo vanoti bato reZanu-PF riri kushanda nemapurisa mukukanganisa hurongwa hwebato ravo.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Tatumirawo mubvunzo kumukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi asi vange vasati vapindura pataenda pamhepo.
Facebook Forum