Accessibility links

Breaking News

Musangano weCOP26 Wosvika kuMagumo


Nyika mazana maviri dzainge dziri kumusangano wezvekushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti COP26 kuGlasgow, Scotland dzakati dzakazvipira kutsvaga nzira dzekumisa kusvibiswa kwemweya wekufema.

Asi zvinonzi chibvumirano chekuderedza kushandiswa kwemarasha hachina kuzosvika paitarisirwa nekuda kwekuramba kuzvipira kweChina neIndia.

Muchibvumirano chakanyoreranwa neMugovera ichi, nyika dzose dzatenda kudzoka gore rinouya nemamwe matannho ekuti dzichaita sei kuderedza zviri kupa kuti mamiriro ekunze ashanduke.

Nyanzvi mubazi rezvemamiriro ekunze VaLawrence Mashungu vange vari kumusangano uyu vanoti vari kufara nezvisungo zvakabuda kumusangano uyu zvinosanganisira kuisa mari parutivi yekubatsira nyika dzichiri kubudirira uye kuzvipira mukutsvaga mazano ekuderedza kusvibiswa kwemweya wekufema.

Asi VaMashungu vanoti vatungamiri venyika vanofanira kuzadzikisa zvose zvavakavimbisa kuti kunze kusarambe kuchishanduka zvokonzera nzara nemamwe matambudziko anokonzerwa nemafashamu emvura kana kupisisa kwezuva zvikuru munyika dzemuAfrica.

Hurukuro naVaLawrence Mashungu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG